Tsiwo Gushungo
Maita Tsiwo,
Gushungo,
VokwaNzungunhokotoko,
Usavi hwavamwe varume,
Vari Marungohwe,
Vagari vomachira.
Machira eMuchakona,
Ngonya iwe Tsiwo,
Mutinji waHwera,
Mutupo wavo,
VaMbwerambwetete,
Kugara pasi kusimuka zvinohwire vhu,
Vane mutupo uri mumakumbo,
Muchati hutukwa mutupo ndowenyu,
Tatenda varidzi venyika,
Vakabva Guruuswa,
Makanongedzga guvi kwoyedza,
Utonga hwukatsvuka,
Maita vokwaZvimba,
Vane mhuno dzinofura dzihwa,
Dzavamwe dzichifura mvura,
Maita vari Chakona,
Vomazhanje nehute,
Vakabva zasi,
Venzvimbo yomuchero,
Hekani vejiri ramazhanje nehute,
Vano kutizira kunenge kudyara Nzungu,
Maita Tsiwo,
Maita Gushungo,
Vari kuchipata kusingabve ruoko,
Muchero waNegondo,
Zvaonekwa Gushungo,
Zvaita mwana waZvimba.