Zvirevereve zvomugudza -- Nematombo
Maita amai,
Maita VaChivaraidze,
Hekani Moyo,
Maita VaChiputsagota,
Vari parutombo rwaVaMoyo,
Vozvibwe-zvichena-zviringe-mombe,
Vana magaro anofamba achinyemwerera,
Maita Sahayi,
Hekani mudzvurwa,
Duri rangu ndoga,
Maita amai vomwoyo,
Hadyana inobikwa munhu,
Maita muGomo wangu yuyu,
Ndambachiraswa,
Vane rongo rizere basi,
Maita Moyo,
Zvaitwa Sahai.