Zvirevereve zvomugudza -- Sinyoro


Hekani Chiuya,
VaChidovi,
VaChinjanja,
VokwaChinge mukaka,
Unodiyiwa navakuru vasina meno,
Maita Zariro,
Vane zvitsine zvitenderere,
Zvakatenderedzwa netsanga nyoro,
Zvinomwiwa mvura wakapfugama,
Mabvi namagokora zvakatsikitsira,
Hekani Moyo,
Vehute,
Vechenje,
VaMubvumira,
Vari Chirozva,
Vakabva Sena,
Vatungi vechitete,
Chikobvu chinodzamira.
VaChidhanherera,
Vemombe ine ndoro chena,
Inoriritira vana navasvayo,
Haiwa,
Zvaitwa VaMoyo.