Zvirevereve zvomugudza -- Unendoro


Hekani Nhari,
Hekani VaBiri naGanyire,
Maita VaChireranherera,
Munodai kurera nherera nedzisi dzenyu,
Maita VaChinerembe,
Nengwe yangu yiyi,
Nhena isina mavi namakukutu,
Hekani VaChipakurire,
Hekani VaChipanemwoyo,
Hekani vamahwe machena.
Ndimi mava amai vangu,
Maita VaMadetembe,
Munondigumbatira kana kwachiti kupete,
Maita VaMakuranarwo,
Chidyamupfuma, mwoyo wevhu.
Maita amai vangu,
Hekani Nhari yangu yiyi,
Redzvamutsipa rangu riri,
Ziendanetyaka,
Nhongora mutsipa yangu yiyi,
Ino muviri unotsvedzerera sowetsinza,
Hekani amai Mukonde,
Muno kutizira kunenge kudyarurura ndodzi,
Kucheuka kuchinge kutsikira nyimo,
Mukati mazino anenge mwedzi wejenachena,
A! Waita zvako mukadzi wangu wamashave,
Maita VaChihoro.