Zvirevereve zvomugudza -- Vhuramavi
Evo Zuruvi,
Hekani Shava,
MuReve wangu yuyu,
VaHarava vokwaSeke,
VokwaMuchenje,
VokwaMunakirapasi,
Maita VaShava,
VokwaVhanganyama,
Vakavhanga nyama nohwahwa,
Hekani vari Zvipindu,
Maita vari Rare,
Chidziwa china masahwa,
Hekani Bonde,
Zvaitwa Mhofu —
Mukonde wangu yuyu.