Zvirevereve zvomugudza -- Zvimbakupa
Hekani VaNyemba,
Mubvana waChivazve,
Vavhimi venzou.
Maita VaHota Mukonde,
Evo Tembo,
Hekani Matendera,
Maita VaMupanedende,
Zyaitwa Mupiyaniswa,
Muuya wangu munakunaku,
Anenge musvisvi wouchi,
Kagwedu kenyama kanosara pasi.
Maita VaMuroro,
Hekani VaNyemba,
Mubvana waChivazve,
Vane nzariro dzinokuya mupunga,
Muroro wangu yuyu,
Mubvana waCharindapanze,
Muna mazeteko anange mboko,
Mukati kuzipa kunenge nhanga rendodo,
Amai vangu ndimi,
Muriritiri wangu ndimi.
Muchandiziva padumbu napaura,
Amaiwe-e chisakaseveswa,
Igangaidza mukwenyi,
Mhezi yavavira mumwoyo.
Aiwa mazviita zvenyu.